Ecclesiastes 10

1Nhunzi dzakafa dzinonhuwisa mafuta akanaka,
saizvozvowo upenzi hushoma hunorema kukunda uchenjeri nokukudzwa.
2Mwoyo womunhu akachenjera unosimbira kurudyi,
asi mwoyo webenzi unosimbira kuruboshwe.
3Kunyange richifamba pamugwagwa,
benzi rinoshayiwa njere
uye rinoratidza vanhu vose upenzi hwaro.
4Kana kutsamwa kwomutongi kukakumukira,
usabva panzvimbo yako;
unyoro hunonyaradza mhosva huru.
5Kune chinhu chakaipa chandakaona pasi pezuva,
kutadza kunobva kuvatongi:
6Mapenzi anoiswa munzvimbo zhinji dzapamusoro,
ipapo vapfumi vachitora nzvimbo dzakaderera.
7Ndakaona varanda vakatasva mabhiza,
ipapo machinda achifamba pasi netsoka savaranda.

8Ani naani anochera gomba angangowira mariri;
ani naani anopwanya naparusvingo angangorumwa nenyoka.
9Ani naani anopwanya matombo angangokuvadzwa nawo;
ani naani anotsemura matanda angangozviisa panjodzi nawo.

10Kana demo rakagomara
uye rikasarodzwa,
panodiwa simba rakawanda,
asi unyanzvi hunouyisa kubudirira.

11Kana nyoka ikaruma mupingudzi asati aibata,
mupingudzi haachabatsiri.

12Mashoko anobva mumuromo momunhu akachenjera ane unyoro,
asi benzi rinomedzwa nomuromo waro.
13Kutanga kwamashoko ake upenzi;
nokuguma kwokutaura kwake mupengo wakashata.
14Uye benzi rinowanza mashoko.

Hapana munhu anoziva zvichauya,
ndiani angamuudza zvichaitika shure kwake?

15Basa rebenzi rinomunetesa;
haazivi nzira inoenda kuguta.

16Une nhamo iwe nyika ina mambo aiva muranda
uye ina machinda anoita mabiko mangwanani.
17Wakaropafadzwa iwe nyika ina mambo akaberekwa mukukudzwa
uye ina machinda anodya panguva yakafanira,
kuti vasimbiswe kwete kuti vadhakwe.

18Kana munhu ari simbe, denga remba rinosakara;
kana achigarira maoko, imba inobvinza.

19Mabiko anoitirwa kuseka,
uye waini inofadza upenyu,
asi mari imhinduro kune zvose.

20Usatuka mambo kunyange mupfungwa dzako,
kana kutuka mupfumi paimba yako yokuvata,
nokuti shiri yedenga ingangotakura mashoko ako,
uye china mapapiro chingangozivisa zvawataura.
Copyright information for SnaBDSC